Mapisarema 125 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 125Rwiyo rworwendo.

1Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni,

risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.

2Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo,

saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake

kubva zvino nokusingaperi.

3Tsvimbo yavasakarurama haingagari

pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama,

nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira

maoko avo kuita zvakaipa.

4Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka,

kuna avo vane mwoyo yakarurama.

5Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama,

Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa.

Rugare ngaruve pana Israeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help