Mapisarema 121 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 121Rwiyo rworwendo.

1Ndinosimudzira meso angu kumakomo,

kubatsirwa kwangu kunobvepiko?

2Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,

muiti wokudenga napasi.

3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,

muchengeti wako haangakotsiri;

4zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri

haangakotsiri kana kuvata.

5Jehovha anokurinda,

Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;

6zuva haringakubayi masikati,

kana mwedzi usiku.

7Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,

iye acharinda upenyu hwako;

8Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,

kubva zvino uye nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help