Mapisarema 120 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 120Rwiyo rworwendo.

1Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu,

uye anondipindura.

2Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema,

nendimi dzinonyengera.

3Achaiteiko kwauri,

uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera?

4Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare,

namazimbe anopfuta omuti womurara.

5Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki,

kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari!

6Ndakagara nguva refu

pakati pavanovenga rugare.

7Ndiri munhu worugare;

asi pandinotaura, ivo ndevehondo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help