Mapisarema 111 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 111

1Rumbidzai Jehovha.

Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose,

padare ravakarurama nepagungano.

2Mabasa aJehovha makuru;

anorangarirwa navose vanofara maari.

3Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo,

uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe;

Jehovha ane nyasha nengoni.

5Anopa zvokudya kuna avo vanomutya;

anorangarira sungano yake nokusingaperi.

6Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake,

achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.

7Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama,

mitemo yake yose yakavimbika.

8Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri,

yakaitwa mukutendeka nokururama.

9Akapa dzikinuro kuvanhu vake;

akasimbisa sungano yake nokusingaperi,

zita rake idzvene uye rinotyisa.

10Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;

vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.

Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help