Mapisarema 110 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 110Pisarema raDhavhidhi

1Jehovha akati kuna She wangu,

“Gara kuruoko rwangu rworudyi,

kusvikira ndaita vavengi vako

chitsiko chetsoka dzako.”

2Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni;

uchatonga pakati pavavengi vako.

3Mauto ako achazvipira

pazuva rako rehondo.

Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene,

kubva pachizvaro chamambakwedza

uchagamuchira dova roujaya hwako.

4Jehovha akapika,

uye haangashanduki, achiti,

“Iwe uri muprista nokusingaperi,

worudzi rwaMerikizedheki.”

5Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi;

achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.

6Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa,

uye achiparadza vatongi venyika yose.

7Achanwa parukova rwuri parutivi penzira;

naizvozvo achasimudza musoro wake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help