Mapisarema 98 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 98Pisarema.

1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,

nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;

ruoko rwake rworudyi nechanza chake

chitsvene zvakamukundisa.

2Jehovha akazivisa ruponeso rwake

uye akaratidza kururama kwake kundudzi,

3Akarangarira rudo rwake

nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri;

migumo yose yenyika yakaona

ruponeso rwaMwari wedu.

4Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose,

imbai nziyo mupembere nomufaro;

5imbirai Jehovha nembira,

nembira nenzwi rokuimba,

6nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe,

danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.

7Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri,

nenyika, navose vanogaramo.

8Nzizi ngadziuchire maoko adzo,

makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;

9ngaaimbe pamberi paJehovha,

nokuti anouya kuzotonga nyika.

Achatonga nyika zvakarurama

navanhu nokururamisira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help