Mapisarema 97 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 97

1Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare;

zviwi zviri kure ngazvifare.

2Makore nerima guru zvakamukomberedza;

kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.

3Moto unoenda mberi kwake

uchipisa vavengi vake kumativi ose.

4Mheni yake inovhenekera pasi;

nyika inozviona igodedera.

5Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha,

pamberi paIshe wenyika yose.

6Kudenga denga kunoparidza kururama kwake,

uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.

7Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa,

avo vanozvirumbidza nezvifananidzo,

munamatei, imi vamwari vose!

8Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.

9Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose;

makasimudzirwa kupfuura vamwari vose.

10Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa,

nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka

uye anovarwira muruoko rwowakaipa.

11Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama,

nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama.

12Farai muna Jehovha, imi vakarurama,

uye mukudze zita rake dzvene.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help