Mapisarema 76 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 76Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1Mwari anozivikanwa muJudha;

zita rake iguru muIsraeri.

2Tende rake riri muSaremu,

ugaro hwake paZioni.

3Ndipo paakavhuna miseve inovaima,

nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera

4Imi makashongedzwa nechiedza,

kupfuura makomo akapfuma nemhuka.

5Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa,

vakavata hope dzavo dzokupedzisira;

hakuna mumwe wavarwi

angasimudza maoko ake.

6Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho,

zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.

7Imi moga ndimi munofanira kutyiwa.

Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?

8Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu,

uye nyika yakatya ikanyarara,

9haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge,

kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera

10Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa,

uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.

11Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa;

nyika dzose dzakakupoteredzai

ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa.

12Anoputsa mweya yavatongi;

anotyiwa namadzimambo enyika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help