Mapisarema 75 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 75Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai,

nokuti Zita renyu riri pedyo;

vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.

2Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa;

ndini ndinotonga zvakarurama.

3Panozununguka nyika yose navanhu vayo,

ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera

4Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’

uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.

5Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga;

regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ”

6Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira,

kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.

7Asi Mwari ndiye anotonga:

Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.

8Muruoko rwaJehovha mune mukombe

uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira;

anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika

vanoinwa kusvikira pamasese ayo.

9Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi;

ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.

10Ndichagura nyanga dzavakaipa vose,

asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help