Mapisarema 60 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 60Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo e“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimu neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu.

1Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa;

makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!

2Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati;

gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.

3Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma;

makatipa waini inotidzedzeresa.

4Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza

kuti urege kupfaranyurwa neuta. Sera

5Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi,

kuti avo vamunoda varwirwe.

6Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti:

“Ndichaganhura Shekemu nesimba

uye ndichayera Mupata weSukoti.

7Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu;

Efuremu inguwani yangu yakasimba,

Judha itsvimbo yangu.

8Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira,

pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu;

pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.”

9Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa?

Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu?

10Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here,

uye mukarega kubuda nehondo dzedu?

11Tibatsirei pavavengi vedu,

nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo.

12NaMwari wedu, tichakunda,

uye achatsikira vavengi vedu pasi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help