Mapisarema 59 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 59Kumutungamiri wokuimba namaimbiro anoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye.

1Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari;

Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.

2Ndirwirei pavaiti vezvakaipa,

uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.

3Tarirai kundivandira kwavakaita!

Vanhu vanotyisa vanondirangana

pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.

4Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa.

Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!

5Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri,

mukai murange ndudzi dzose;

musanzwira ngoni vakaipa navapanduki. Sera

6Vanodzoka madekwana,

vachihonʼa sembwa,

uye vachinyahwaira muguta.

7Onai zvavanorutsa mumiromo yavo:

vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo,

uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”

8Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka;

munodadira ndudzi dzose.

9Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai;

imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,

10Mwari anondida

achanditungamirira

uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.

11Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu,

zvimwe vanhu vangu vangakanganwa.

Musimba renyu itai kuti vadzungaire,

uye muvaderedze.

12Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo,

nokuda kwamashoko emiromo yavo,

ngavabatwe pakuzvikudza kwavo.

Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,

13vaparadzei nehasha dzenyu,

vaparadzei kusvikira vapera.

Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika

kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho. Sera

14Vanodzoka madekwana,

vachihonʼa sembwa,

uye vachinyahwaira muguta.

15Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya,

uye vanohuhudza kana vasina kuguta.

16Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu,

ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani;

nokuti imi muri nhare yangu,

utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.

17Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokukurumbidzai;

imi, Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help