Mapisarema 40 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 40Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu;

iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.

2Akandibudisa mugomba rakadzika,

kunze kwamatope netsvina;

akamisa tsoka dzangu padombo

akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

3Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu,

rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu.

Vazhinji vachaona, uye vachatya

uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.

4Akaropafadzwa munhu

akaita Jehovha ruvimbo rwake,

asingatariri kuna vanozvikudza,

kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.

5Haiwa Jehovha, Mwari wangu,

zvizhinji zvishamiso zvamakaita.

Zvinhu zvamakatitongera hakuna

angazvirondedzera kwamuri;

dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo,

zvaizowandisa kuzvizivisa.

6Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo,

asi nzeve dzangu makadziboora;

zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso

zvezvivi hamuna kuzvireva.

7Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu,

ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.

8Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu;

murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”

9Ndinoparidza kururama paungano huru;

handidziviri miromo yangu,

sokuziva kwenyu, imi Jehovha.

10Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu;

ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu.

Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu

paungano huru.

11Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha;

rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.

12Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza;

zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona.

Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu,

uye mwoyo wangu waneta mukati mangu.

13Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei;

haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.

14Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu

ngavanyadziswe uye vanyonganiswe;

vose vanoda kuparadzwa kwangu

ngavadzoserwe shure vanyadziswe.

15Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!”

ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo.

16Asi vose vanokutsvakai

ngavafare uye vafarisise mamuri;

avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti,

“Jehovha ngaakudzwe!”

17Asi ndiri murombo nomushayiwi;

dai Ishe vandifungawo.

Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu;

haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help