Mapisarema 39 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 39Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu

nokuchengeta rurimi rwangu pachivi;

ndichaisa matomu pamuromo wangu

kana vakaipa vari pamberi pangu.”

2Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama,

ndisingatauri kana chakanaka zvacho,

kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa.

3Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu,

uye pandakafungisisa, moto ukapisa;

ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:

4“Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu

nokuwanda kwamazuva angu;

ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.

5Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu;

kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu.

Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.

6Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake:

anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina;

anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.

7“Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko?

Tariro yangu iri mamuri.

8Ndiponesei pakudarika kwangu kwose;

regai kundiita chiseko chamapenzi.

9Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu,

nokuti ndimi makaita izvi.

10Bvisai shamhu yenyu kwandiri;

ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.

11Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo,

munoparadza pfuma yavo sechipfukuto,

munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera

12“Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha,

rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro;

regai kuva matsi pakuchema kwangu.

Nokuti ndigere nemi somutorwa,

somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.

13Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve

ndisati ndabva uye ndisisipo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help