Mapisarema 20 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 20Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha ngaakupindure paunotambudzika;

zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

2Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene,

uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

3Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose

uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera

4Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako,

uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

5Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako,

uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu.

Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

6Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake;

anomupindura ari kudenga rake dzvene,

nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.

7Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza,

asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

8Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa,

asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

9Haiwa Jehovha, ponesai mambo!

Tipindurei patinodana!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help