Mapisarema 19 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 19Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Matenga anotaura kubwinya kwaMwari;

matenga anoparidza mabasa amaoko ake.

2Zuva nezuva anotaura;

usiku nousiku anoratidza zivo.

3Hakuna mutauro kana rurimi

rusinganzwi inzwi ravo.

4Inzwi razvo rinosvika panyika yose,

mashoko azvo kumagumo apasi.

Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,

5rakaita sechikomba chinobuda mumba,

seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.

6Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga

richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi;

hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.

7Murayiro waJehovha wakakwana,

unomutsiridza mweya.

Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika,

zvinopa njere kuna vasina mano.

8Zvirevo zvaJehovha zvakarurama,

zvinopa mufaro kumwoyo.

Murayiro waJehovha unopenya,

unopa chiedza kumaziso.

9Kutya Jehovha kwakanaka,

kunogara nokusingaperi.

Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi

uye zvose zvakarurama.

10Zvinokosha kupfuura goridhe,

kupfuura goridhe rakanatswa;

zvinotapira kupfuura uchi,

kupinda uchi hwabva muzinga.

11Muranda wenyu anoyambirwa nazvo;

pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.

12Ndianiko angaziva kukanganisa kwake?

Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.

13Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni;

ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu.

Ipapo handizovi nemhosva,

ndisina mhaka yokudarika kukuru.

14Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu

ngazvifadze pamberi penyu,

imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help