Mapisarema 15 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 15Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene?

Ndiani angagara pagomo renyu dzvene?

2Iye anofamba asina chaanopomerwa uye

anoita zvakarurama,

anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,

3uye asina makuhwa parurimi rwake,

asingaitiri wokwake zvakaipa

uye asingatuki waagere naye,

4anozvidza munhu akaipa

asi anokudza vaya vanotya Jehovha,

anochengeta mhiko yake

kunyange kana zvichirwadza,

5anokweretesa mari yake asingarevi mhindu

uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva.

Munhu anoita izvi

haangatongozungunuswi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help