Mapisarema 14 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 14Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Benzi rinoti mumwoyo maro,

“Hakuna Mwari.”

Vakaora, mabasa avo akashata;

hakuna anoita zvakanaka.

2Jehovha ari kudenga anotarira pasi

pamusoro pavanakomana vavanhu,

kuti aone kana aripo anonzwisisa,

naani zvake anotsvaka Mwari.

3Vose vakatsauka,

vose pamwe chete vakasvibiswa;

hakuna anoita zvakanaka,

kunyange nomumwe.

4Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here,

ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,

uye vasingadani kuna Jehovha?

5Pavari ipapo, vakazara nokutya,

nokuti Mwari ari paungano yavakarurama.

6Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo,

asi Jehovha ndiye utiziro hwavo.

7Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni!

Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake,

Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help