Isaya 14 - Shona Contemporary Bible(SCB)

1Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi;

achasarudza Israeri zvakare

uye achavagarisa munyika yavo.

Vatorwa vachabatana navo

vachanamatirana neimba yaJakobho.

2Ndudzi dzichavatora

dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo.

Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi

kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha.

Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo,

uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo.

3Pazuva ramuchapiwa rusununguko naJehovha kubva pakutambudzika, nokusagadzikana, nokubatwa noutsinye,

4uchasveeredza mambo weBhabhironi uchiti:

Haiwa, mumanikidzi apera sei!

Haiwa, hasha dzake dzapera sei!

5Jehovha akavhuna tsvimbo yavakaipa

netsvimbo yamadzimambo,

6yaakarova nayo marudzi

mukutsamwa nokurova kusingaperi,

uye akakunda ndudzi

nehasha nokurwisa kusingaperi.

7Nyika dzose dzazorora uye dzava norugare;

votanga kufara nokuimba.

8Kunyange nemiti yemisipuresi nemisidhari yokuRebhanoni

inofara pamusoro pako ichiti,

“Zvino zvawaparadzwa,

hakuna varume vanotsvaka huni vachauya kuzotitema.”

9Pasi, iro sheori razungunuka

kuti rinangane newe pakuuya kwako;

riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai,

vose vakaenda vari vatungamiri munyika;

rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe,

vose vakanga vari madzimambo endudzi.

10Vose vachapindura,

vachati kwauri,

“Newewo hauchisina simba, sesu;

wangofanana nesu.”

11Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva,

pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako;

honye dzawarirwa pasi pako

uye makonye anokufukidza.

12Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga,

iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza!

Wakakandwa panyika,

iyewe wakambowisira ndudzi pasi!

13Wakati mumwoyo mako,

“Ndichakwira kudenga;

ndichasimudzira chigaro changu choushe

pamusoro penyeredzi dzaMwari;

ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano,

pamusoro pegomo dzvene.

14Ndichakwira pamusoro-soro pamakore;

ndichazviita seWokumusoro-soro.”

15Asi waderedzwa kusvika kuguva,

kwakadzika dzika kwegomba.

16Vose vanokuona vanokunanʼanidza,

vachafungisisa zvamagumo ako vachiti,

“Ndiye here murume

uya akazungunutsa nyika, akadederesa ushe,

17murume akaita kuti nyika ive gwenga,

akaparadza maguta ayo,

akasatendera vasungwa vake kudzokera kumusha?”

18Madzimambo ose endudzi ave mukukudzwa,

mumwe nomumwe muguva rake.

19Asi iwe warasirwa kunze kweguva rako,

kufanana nedavi rakaraswa;

wakafukidzwa navakaurayiwa,

naavo vakabayiwa nomunondo,

avo vakadzika kumatombo egomba.

Kufanana nechitunha chinotsikwa-tsikwa netsoka,

20hauzobatani navo pakuvigwa kwako,

nokuti wakaparadza nyika yako

ukauraya vanhu vako.

Vana vowakaipa

havazotaurwi nezvavozve.

21Gadzirirai nzvimbo yokuurayira vanakomana vake

nokuda kwezvivi zvamadzitateguru avo;

havazosimuki kuti vagare nhaka yenyika

vagozadza nyika namaguta avo

22“Ndichavamukira ini,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

“Ndichabvisa zita rake navakasara vake kubva kuBhabhironi,

vana vake navana vavana vake,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

23“Ndichaishandura kuti ive nzvimbo yamazizi

nenyika yamachawi;

ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

Chiprofita pamusoro peAsiria

24Jehovha Wamasimba Ose akapika achiti:

“Zvirokwazo sezvandakafunga ndizvo zvichaitika,

uye sezvandakarangarira ndizvo zvichaitika.

25Ndichapwanya muAsiria munyika yangu;

ndichamutsikirira pasi pamusoro pegomo rangu.

Joko rake richabviswa kubva pavanhu vangu,

nomutoro wake wokubva pamabvudzi avo.”

26Iyi ndiyo pfungwa yakarongerwa nyika yose;

urwu ndirwo ruoko rwakatambanudzirwa pamusoro pamarudzi ose.

27Nokuti Jehovha Wamasimba Ose akazvironga zvino ndianiko angamukonesa?

Ruoko rwake rwakatambanudzwa ndianiko angarudzora?

Chiprofita pamusoro peFiristia

28Shoko iri rakauya mugore rakafa Mambo Ahazi richiti:

29Musafara imi mose vaFiristia,

muchiti shamhu yakakurovai imi, yavhunika;

nokuti kubva pamudzi wenyoka iyo pachabuda mvumbi,

chibereko chayo chichava nyoka ino uturu hunobaya.

30Murombo wavarombo achawana mafuro,

uye vanoshayiwa vacharara pasi murugare.

Asi ndichaparadza mudzi wako nenzara;

ichauraya vakasara vako.

31Ungudza iwe suo! Chema, iwe guta!

Nyungudukai, imi vaFiristia mose!

Gore routsi riri kuuya richibva kumusoro,

uye hapana achatiza pasimba raro.

32Ko, imhinduroi ichapiwa

kunhume dzorudzi urwo?

“Jehovha akasimbisa Zioni,

uye mariri vanhu vake vanotambudzika vachawana pokuvanda.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help