Isaya 8 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Asiria, Shamhu yaJehovha

1Jehovha akati kwandiri, “Tora bhuku guru unyore pamusoro paro nechinyoreso: pamusoro paMaheri-Sharari-Hashi-Bhazi.

2Ndichadana Uriya muprista naZekaria mwanakomana waJebherekia sezvapupu zvakatendeka kwandiri.”

3Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, akatora pamuviri akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze kuti Maheri-Sharari-Hashi-Bhazi;

4nokuti mwana asati aziva kuti, ‘Baba vangu’ kana kuti, ‘Mai vangu,’ pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichatakurwa namambo weAsiria.”

5Jehovha akataurazve kwandiri akati,

6“Nokuti vanhu ava vakaramba

mvura inoyerera zvinyoronyoro yeShiroa,

uye vanofarira Rezini

nomwanakomana waRemaria,

7naizvozvo Jehovha ava kuda kuuyisa pamusoro pavo

mafashamu makuru oRwizi,

mambo weAsiria nokukudzwa kwake kwose.

Ruchapfachukira hova dzarwo dzose,

uye rugopfachukira kumahombekombe arwo ose,

8ruchakukura kusvikira kuJudha,

ruchipafuma nomukati mayo, rugopfuura nomairi ruchisvika muhuro.

Kutandavara kwamapapiro arwo kuchafukidza upamhi hwenyika yako,

iwe Imanueri!”

9Ridzai mhere yehondo, imi ndudzi, mugoputswa-putswa!

Teererai, imi nyika dzose dziri kure.

Gadzirirai kurwa,

mugoputswa-putswa!

10Gadzirirai urongwa hwenyu, asi huchakona;

Taurai zvourongwa hwenyu, asi hauzomiri,

nokuti Mwari anesu.

Ityai Mwari

11Jehovha akataura kwandiri ruoko rwake rune simba rwuri pamusoro pangu, achindiyambira kuti ndirege kutevera nzira yavanhu ava, akati:

12“Musati irangano zvinhu zvose

zvinonzi navanhu ava irangano;

musatya zvavanotya,

musazvivhunduka.

13Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene,

ndiye wamunofanira kuvhunduka,

14ndiye achava nzvimbo tsvene;

asi padzimba dzose dzaIsraeri

achava dombo rinoita kuti vanhu vagumburwe;

nedombo rinoita kuti vapunzike.

Uye kuvanhu veJerusarema

iye achava musungo norugombe.

15Vazhinji vavo vachagumburwa;

vachawa vagovhunika,

vachateyiwa vagobatwa.”

16Sungai chipupuriro

mugosimbisa murayiro pakati pavadzidzi vangu.

17Ndichamirira Jehovha,

iye ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake.

Ndichaisa ruvimbo rwangu maari.

18Ndiri pano, navana vandakapiwa naJehovha. Tiri zviratidzo nemifananidzo muIsraeri inobva kuna Jehovha Wamasimba Ose paGomo reZioni.

19Kana vanhu vachiti kwamuri bvunzai masvikiro navavuki, vanozevezera nokunguruma, ko, vanhu havangabvunzi kuna Mwari wavo here? Munobvunzirei vakafa pamusoro pavapenyu?

20Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza.

21Vatambudzika, vava vane nzara vachafamba-famba nenyika; pavachatambudzika vachava neshungu, uye vachatarira kudenga, vagotuka mambo wavo naMwari wavo.

22Ipapo vachatarira pasi vagoona nhamo chete nerima nokusafara kunotyisa, uye vachakandirwa kurima guru.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help