Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Mukadzi

1Ndiri ruva reSharoni,

ruva romumipata.

Murume

2Seruva riri pakati peminzwa,

ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara.

Mukadzi

3Somuti womuapuro pakati pemiti yesango,

ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya.

Ndinofarira kugara mumumvuri wake,

uye muchero wake unondinakira kuudya.

4Akaenda neni kuimba yamabiko,

uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.

5Ndisimbise namazambiringa akaomeswa,

ndisimbise namaapuro;

nokuti ndoziya norudo.

6Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,

uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

7Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai

nemhara uye nenondo dzesango:

Musazunguza kana kumutsa rudo

kusvikira irwo rwada rwoga.

8Inzwai! Inzwi romudiwa wangu!

Tarirai! Hoyo

ouya achiuruka nomumakomo,

achikwakuka nomuzvikomo.

9Mudiwa wangu akafanana nemhara

kana netsvana yenondo.

Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu,

akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.

10Mudiwa wangu akataura kwandiri akati,

“Simuka, mudiwa wangu,

iwe munakunaku wangu, uya tiende tose.

11Tarira! Nguva yechando yapera;

mvura yapera; uye haichanayi.

12Maruva oonekwa panyika;

nguva yokuimba yasvika,

kurira kwenjiva

kwonzwikwa munyika yedu.

13Muonde wobereka michero yawo yokutanga;

uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo.

Simuka, uya, mudiwa wangu;

munakunaku wangu, uya tiende tose.”

Murume

14Njiva yangu iri mumikaha yedombo,

munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo,

ndiratidze chiso chako,

ndinoda kunzwa inzwi rako;

nokuti inzwi rako rinotapira,

uye chiso chako chinoyevedza.

15Tibatirei makava,

ivo vana vemakava

anoparadza minda yemizambiringa,

iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.

Mudiwa

16Mudiwa wangu ndewangu uye ndiri wake;

anofamba-famba pakati pamaruva omubani.

17Kusvikira zuva rabuda

uye mimvuri yatiza,

pinduka, mudiwa,

ubve waita semhara

kana tsvana

pamusoro pezvikomo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help