Muparidzi 6 - Shona Contemporary Bible(SCB)

1Ndakaona chimwe chinhu chakaipa pasi pezuva, uye chinoremedza vanhu zvikuru:

2Mwari anopa munhu mari nezvinhu zvakawanda uye nokukudzwa, zvokuti haana chaangashayiwa pazvinhu zvinodiwa nomwoyo wake, asi Mwari haazomutenderi kuti afadzwe nazvo, uye mutorwa ndiye anozofadzwa nazvo panzvimbo yake. Izvi hazvina maturo, chinhu chakaipa chinorwadza.

3Munhu angava navana zana agorarama makore akawanda, asi hazvinei kuti ararama nguva yakareba sei, kana akasafara nezvaanowana uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana aberekwa ari gavamwedzi ari nani pana iye.

4Anouya asina zvaanoreva anoendazve murima, uye murima zita rake rinofukidzirwa.

5Kunyange asina kumboona zuva kana kuziva chinhu, ane zororo rinopfuura munhu iyeyu,

6kunyange akararama makore anokwana zviuru zviviri, asi akatadza kufadzwa nezvaanowana. Ko, vose havaendi kunzvimbo imwe chete here?

7Kushingaira kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake,

kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.

8Ko, akachenjera anokurira

benzi pachii?

Ko, murombo anowanei nokuziva

kuzvibata pamberi pavamwe?

9Zviri nani zvinoonekwa nameso

pane kutsvaka-tsvaka kwomwoyo.

Izviwo hazvina maturo,

kudzinganisana nemhepo.

10Chinhu chipi nechipi chiripo chakapiwa zita kare,

uye munhu zvaari zvakazivikanwa kare;

hakuna munhu anorwisana

nomunhu anomupfuura pasimba.

11Kuwanda kwamashoko

ndikowo kuwanda kwezvisina maturo,

uye zvingabatsira aniko zvakadai?

12Zvino ndiani angaziva zvakanakira munhu muupenyu, pamazuva mashoma uye asina maturo anopfuura somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvinozomutevera mushure mokunge iye aenda?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help