Muparidzi 4 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Udzvinyiriri, Kushanda, noKusava Neshamwari

1Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva:

Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa,

uye havana munyaradzi;

simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo,

uye havana munyaradzi.

2Ndakati vakafa,

vakanguri vafa kare,

vano mufaro kupfuura vapenyu,

vachiri kurarama.

3Asi ari nani kupfuura

vose ndiye uyo asati atombovapo,

uyo asati amboona zvakaipa

zvinoitwa pasi pezuva.

4Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.

5Benzi rinopeta maoko aro,

rozviparadza.

6Tsama imwe yorugare

inopfuura tsama mbiri dzokutambudzika

nokudzingana nemhepo.

7Zvino ndakaona chinhu chisina maturo pasi pezuva.

8Kwaiva nomunhu aigara ari oga;

akanga asina mwanakomana, kana mununʼuna.

Kushanda kwake kwakanga kusina magumo,

kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake.

Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko,

uye sei ndichizvinyima mafaro?”

Naizvozviwo hazvina maturo,

basa rokutambura!

9Vaviri vari nani pano mumwe chete,

nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:

10Kana mumwe akawira pasi,

shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare.

Asi ane nhamo munhu anowira pasi,

asina anomusimudza!

11Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa.

Asi mumwe chete angadziyirwa sei?

12Munhu mumwe chete angakurirwa simba,

asi vaviri vanozvidzivirira.

Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.

Kuenda mberi hakuna maturo

13Jaya murombo asi rakachenjera riri nani kupfuura mambo mutana ari benzi, asisazivi kuteerera kana achipiwa yambiro.

14Jaya ringava rakabva mutorongo rikazova mambo, kana angava akaberekwa ari muurombo, muushe hwokwake.

15Ndakaona kuti vose vapenyu vakafamba pasi pezuva vakatevera jaya, rakazotevera panzvimbo yamambo.

16Vakanga vasingaverengeki vanhu vose vaaitonga. Asi vakazouya pashure havana kufadzwa neakanga achitonga panzvimbo yamambo. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help