Muparidzi 1 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Zvose hazvina maturo

1Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:

2Zvanzi noMuparidzi,

“Hazvina maturo! Hazvina maturo!

Hazvina maturo chose!

Zvose hazvina maturo.”

3Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose

kwaanoita nesimba pasi pezuva?

4Zvizvarwa zvinouya uye zvizvarwa zvinoenda,

asi nyika inogara nokusingaperi.

5Zuva rinobuda uye zuva rinovira,

uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.

6Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi,

yozodzokera kumusoro;

inotenderera nokutenderera

ichingodzokerazve pagwara rayo.

7Nzizi dzose dzinodira mugungwa,

kunyange zvakadaro gungwa harizari.

Kunzvimbo kwadzinobva nzizi,

ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.

8Zvinhu zvose zvinonetesa,

zvisina ani angazvitaura.

Ziso hariguti kuona,

uye nzeve haizari nokunzwa.

9Chakanga chiripo, chichazovapozve,

chakamboitwa chichaitwazve;

hapana chitsva pasi pezuva.

10Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu,

“Tarira! Chinhu ichi chitsva?”

Chakanga chichingovapo, kare kare;

chakanga chiripo isu tisati tavapo.

11Vanhu vakare havacharangarirwi;

uye kunyange vanovatevera,

havachazorangarirwi

nevanozotevera.

Uchenjeri hahuna maturo

12Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema.

13Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.

14Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.

15Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi;

chinoshayikwa hachingaverengwi.

16Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.”

17Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.

18Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji;

kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help