Zvirevo 2 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Kunaka kwoUchenjeri

1Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu,

ukachengeta mirayiro yangu mauri,

2ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri

uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,

3uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere

uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,

4uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha

nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,

5ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha

uye uchawana ruzivo rwaMwari.

6Nokuti Jehovha anopa uchenjeri,

uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.

7Anochengetera vakarurama kukunda,

iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,

8nokuti anochengetedza nzira yavakarurama,

uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.

9Ipapo uchanzwisisa zvakarurama,

kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.

10Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako,

uye ruzivo ruchafadza mweya wako.

11Kungwara kuchakuchengetedza,

uye kunzwisisa kuchakurinda.

12Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa,

vanhu vane mashoko asakarurama,

13vanosiya nzira yakarurama

kuti vafambe munzira dzerima,

14vanofarira kuita zvakaipa

uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,

15vane nzira dzakaminama

uye vanonyengera pamaitiro avo.

16Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve,

kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,

17uyo akasiya murume woumhandara hwake

uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.

18Nokuti imba yake inoenda kurufu,

uye nzira dzake kumweya yavakafa.

19Hakuna anoenda kwaari achidzoka

kana kuzowana nzira dzoupenyu.

20Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka

uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.

21Nokuti vakarurama vachagara munyika,

uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;

22asi vakaipa vachaparadzwa panyika,

uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help