Mapisarema 149 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 149

1Rumbidzai Jehovha.

Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,

rumbidzo yake paungano yavatsvene.

2Israeri ngavafarire Muiti wavo;

vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.

3Ngavarumbidze zita rake vachitamba,

uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.

4Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake;

vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.

5Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake,

uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo.

6Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo,

nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,

7kuti vatsive pamusoro pendudzi,

uye varange marudzi avanhu,

8vasunge madzimambo avo nengetani,

namakurukota avo nezvisungo zvamatare,

9kuti vaite zvavakatongwa nazvo,

zvakanyorwa pamusoro pavo.

Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose.

Rumbidzai Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help