Mapisarema 140 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 140Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa;

ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba.

2Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo,

uye vanomutsa hondo mazuva ose.

3Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka;

uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo. Sera

4Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa;

ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba

vanoronga kupinga tsoka dzangu.

5Vanhu vanozvikudza vakandivanzira misungo;

vakatambanudza mabote emimbure yavo

uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo. Sera

6Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.”

Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu.

7Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba,

anofukidza musoro wangu pazuva rehondo,

8regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha;

musarega urongwa hwavo huchibudirira,

kuti varege kuzvikudza. Sera

9Misoro yaavo vakandipoteredza

ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.

10Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo;

ngavakandwe mumoto,

mumakomba amatope, vasambomukazve.

11Vane makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika;

njodzi ngaivhime vanhu vanoita zvinhu nechisimba.

12Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo,

uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.

13Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu,

uye vakarurama vachagara pamberi penyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help