Mapisarema 138 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 138Pisarema raDhavhidhi.

1Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;

ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.”

2Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene,

uye ndicharumbidza zita renyu

nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu,

nokuti makakudza zita renyu

neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.

3Pandakadana, imi makandipindura;

makandishingisa nomwoyo wakasimba.

4Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha,

pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.

5Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.

6Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa,

asi vanozvikudza anovaziva vari kure.

7Kunyange ndikafamba pakati penhamo,

munochengetedza upenyu hwangu;

munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu,

munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.

8Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni;

rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi,

musasiya mabasa amaoko enyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help