Mapisarema 135 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 135

1Rumbidzai Jehovha.

Rumbidzai zita raJehovha;

murumbidzei, imi varanda vaJehovha,

2imi munoshumira muimba yaJehovha,

muvanze dzeimba yaMwari wedu.

3Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka;

imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka.

4Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake,

naIsraeri kuti ave pfuma yake.

5Ndinoziva kuti Jehovha mukuru,

uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose.

6Jehovha anoita zvose zvinomufadza,

kudenga napasi,

nomumakungwa napakadzika pose.

7Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika;

anotumira mheni nemvura,

uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.

8Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti,

matangwe avanhu neemhuka.

9Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako,

iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose.

10Akaparadza ndudzi dzakawanda

uye akauraya madzimambo ane simba,

11Sihoni mambo weAmori,

Ogi mambo weBhashani

namadzimambo ose eKenani,

12akapa nyika yavo kuti ive nhaka,

nhaka yavanhu vake Israeri.

13Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi,

mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kuzvizvarwa zvose.

14Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake

uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake.

15Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe,

zvakaitwa namaoko avanhu.

16Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura,

zvina meso, asi hazvigoni kuona;

17nenzeve, asi hazvigoni kunzwa,

uye hamuna kufema mumuromo mazvo.

18Vaya vanozviita vachafanana nazvo,

saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.

19Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha;

haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha;

20Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha;

imi vanomutya, rumbidzai Jehovha.

21Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni,

iye agere muJerusarema.

Rumbidzai Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help