Mapisarema 133 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 133Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1Zvakanaka uye zvinofadza sei

kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

2Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro,

anoerera kundebvu,

anoerera kundebvu dzaAroni,

anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.

3Zvinoita sokuti dova reHerimoni

riri kuwira pamusoro peGomo reZioni.

Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha,

ihwo upenyu husingaperi-peri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help