1Ndinosimudzira meso angu kwamuri,
kunemi mune chigaro choushe kudenga.
2Sokutarira kunoita meso evaranda kuna vatenzi vavo,
sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake,
saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu,
kusvikira atinzwira ngoni.
3Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni,
nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda.
4Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza,
nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.