Mapisarema 118 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 118

1Vongai Jehovha, nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

2Israeri ngaati,

“Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

3Imba yaAroni ngaiti,

“Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

4Avo vanotya Jehovha ngavati,

“Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

5Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha,

uye akandipindura nokundisunungura.

6Jehovha aneni; handingatyi.

Munhu angandiiteiko?

7Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu.

Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.

8Zviri nani kutizira kuna Jehovha

pano kuvimba nomunhu.

9Zviri nani kutizira kuna Jehovha

pano kuvimba namachinda.

10Ndudzi dzose dzakandikomba,

asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

11Vakandikomba pamativi ose,

asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

12Vakandimomotera senyuchi,

asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva,

ndakavaparadza muzita raJehovha.

13Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa,

asi Jehovha akandibatsira.

14Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu;

ndiye ava ruponeso rwangu.

15Kupembera kwomufaro nokukunda

kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti:

“Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!

16Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro;

ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”

17Handingafi asi ndichararama,

uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.

18Jehovha akandiranga kwazvo,

asi haana kundiisa kurufu.

19Ndizarurireiwo masuo okururama;

ndichapinda ndigovonga Jehovha.

20Iri ndiro suo raJehovha

panopinda navakarurama.

21Ndichakuvongai, nokuti makandipindura;

makava ruponeso rwangu.

22Dombo rakarambwa navavaki

ndiro rakazova musoro wekona;

23Jehovha akaita izvi,

uye zvinoshamisa pamberi pedu.

24Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;

ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.

25Haiwa Jehovha, tiponesei;

haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.

26Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha.

Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.

27Jehovha ndiye Mwari,

uye akaita kuti chiedza chake chivhenekere pamusoro pedu.

Namatavi muruoko, pinda mumudungwe

ubatane navamwe vari kuenda kunyanga dzearitari.

28Imi muri Mwari wangu, uye ndichakuvongai;

ndimi Mwari wangu, uye ndichakukudzai.

29Vongai Jehovha, nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help