Mapisarema 113 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 113

1Rumbidzai Jehovha.

Rumbidzai, imi varanda vaJehovha,

rumbidzai zita raJehovha.

2Zita raJehovha ngarirumbidzwe,

kubva zvino kusvikira narini.

3Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro,

zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.

4Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose;

kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.

5Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu,

iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,

6anokotamira pasi kuti aone

zviri kudenga napanyika?

7Anosimudza murombo kubva muguruva,

uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;

8anovagadza namachinda,

namachinda avanhu vavo.

9Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make,

samai vavana vanofara.

Rumbidzai Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help