Mapisarema 108 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 108Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi.

1Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi;

ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.

2Muka iwe mutengeranwa nembira!

Ndichamutsa mambakwedza.

3Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi.

Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.

4Nokuti rudo rwenyu rukuru,

kupfuura kudenga denga;

5Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga,

uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

6Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi,

kuti vamunoda varwirwe.

7Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti,

“Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu,

uye ndigoyera Mupata weSukoti.

8Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu;

Efuremu inguwani yangu,

Judha itsvimbo yangu.

9Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera,

pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu;

pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.”

10Ndianiko achandiuyisa muguta rakakomberedzwa namasvingo?

Ndianiko achanditungamirira kuEdhomu?

11Ko, hamusimi here, imi Mwari, iyemi makatiramba

uye mukasazobudazve kuenda nehondo dzedu?

12Tibatsirei pamuvengi wedu,

nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.

13Tichapiwa kukunda naMwari,

uye achatsika-tsika vavengi vedu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help