1Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose.
2Shumirai Jehovha nomufaro;
uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.
3Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari.
Ndiye akatisika, uye tiri vake;
tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
4Pindai pamasuo ake nokuvonga
nomuvanze dzake nokurumbidza;
chimuvongai uye murumbidze zita rake.
5Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi;
kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.