1Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;
2Jehovha anoda masuo eZioni
kupfuura pose panogara Jakobho.
3Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako,
iwe guta raMwari: Sera
4“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi
pakati pavanondiziva,
neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia,
uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ”
5Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati,
“Uyu nowoyo vakaberekerwamo,
uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”
6Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi,
kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera
7Pavanoimba, vachaimba vachiti,
“Matsime angu ose ari mamuri.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.