Mapisarema 71 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 71

1Ndinovanda mamuri, imi Jehovha;

ngandirege kutongonyadziswa.

2Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu;

rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese.

3Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda;

rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.

4Haiwa Mwari wangu, ndirwirei, paruoko rwowakaipa,

pakubatwa navanhu vakaipa uye vane utsinye.

5Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha,

ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu.

6Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu;

ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu.

Ndicharamba ndichikurumbidzai.

7Ndava sechishamiso kuvazhinji,

asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.

8Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu,

ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose.

9Regai kundirasa pandinenge ndakwegura;

musandisiya kana simba rangu rapera.

10Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu;

avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete.

11Vanoti, “Mwari amusiya;

muteverei mumubate,

nokuti hakuna achamununura.”

12Regai kuva kure neni, imi Mwari;

uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire.

13Vapomeri vangu ngavaparare vanyadziswe;

vaya vanoda kundikuvadza

ngavafukidzwe nokusekwa nokunyadziswa.

14Asi kana ndirini, ndichagara ndine tariro;

ndicharamba ndichikurumbidzai zvakanyanya.

15Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu,

nezvoruponeso rwenyu zuva rose,

kunyange ndisingazivi chiyero charwo.

16Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha;

ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga.

17Kubva pauduku hwangu, imi Mwari, makandidzidzisa,

nanhasi uno ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa.

18Kunyange pandinenge ndakwegura uye bvudzi rachena,

musandisiya, imi Mwari,

kusvikira ndaparidza simba renyu kurudzi runotevera,

nesimba renyu kuna vose vari kuzouya.

19Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari,

iyemi makaita zvinhu zvikuru.

Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi?

20Kunyange imi makandiratidza matambudziko mazhinji uye anorwadza,

muchadzosa upenyu hwangu zvakare;

kubva kwakadzika kwepasi

muchandibudisazve.

21Muchawedzera kukudzwa kwangu,

uye muchandinyaradzazve.

22Ndichakurumbidzai nembira

nokuda kwokutendeka kwenyu, imi Mwari wangu;

ndichakurumbidzai nenziyo nomutengeranwa,

imi Mutsvene woga waIsraeri.

23Miromo yangu ichadanidzira nomufaro

pandinokurumbidzai nenziyo,

iyeni, wamakadzikinura.

24Rurimi rwangu ruchataura nezvamabasa enyu akarurama

zuva rose,

nokuti avo vaida kundikuvadza

vanyadziswa uye vakanganiswa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help