1Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze,
uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera
2kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika,
ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.
3Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;
marudzi ose ngaakurumbidzei.
4Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro,
nokuti munotonga marudzi nokururamisira,
uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera
5Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;
marudzi ose ngaakurumbidzei.
6Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo,
uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.
7Mwari achatiropafadza,
uye migumo yose yepasi ichamutya.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.