Mapisarema 62 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 62Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1Mweya wangu unozorora muna Mwari oga;

ruponeso rwangu runobva kwaari.

2Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu;

ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.

3Muchasvika kupiko muchingorova munhu?

Ko, imi mose muchamukanda pasi here,

iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?

4Vanofunga kwazvo zvokumuwisira

pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira;

vanofarira nhema.

Vanoropafadza nemiromo yavo,

Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera

5Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga;

tariro yangu inobva kwaari.

6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu;

ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.

7Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari;

ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.

8Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;

dururai mwoyo yenyu kwaari,

nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera

9Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo,

asi vanokudzwa inhema bedzi;

kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu;

vose pamwe chete vanongova mweya.

10Regai kuvimba noupambi

kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba;

kunyange pfuma yenyu ichiwanda,

regai kuisa mwoyo yenyu pairi.

11Chinhu chimwe chakataurwa naMwari,

zvinhu zviviri zvandakanzwa:

Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,

12uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo.

Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe

maererano nezvaakaita.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help