1Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni,
nokuti mweya wangu unovanda mamuri.
Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu,
kusvikira njodzi yapfuura.
2Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro,
kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri.
3Anotuma kubva kudenga agondiponesa,
achituka vaya vanondidzingirira nehasha; Sera
Mwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake.
4Ndiri pakati peshumba;
ndinovata pakati pemhuka dzinokara,
ivo vanhu vane meno amapfumo nemiseve,
vane ndimi dzinopinza seminondo.
5Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;
kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose. Sera
6Vanowaririra tsoka dzangu mimbure,
ndakakotamiswa pasi nenhamo.
Vakachera gomba panzira yangu,
asi vakawiramo vamene. Sera
7Mwoyo wangu wakasimba, Mwari wangu,
mwoyo wangu wakasimba;
ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.
8Chimuka iwe mweya wangu!
Mukai imi mutengeranwa nembira!
Ini ndichamutsa mambakwedza.
9Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi;
ndichakuimbirai pakati pamarudzi.
10Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga;
kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro.
11Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;
kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.