Mapisarema 36 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 36Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha.

1Shoko riri mumwoyo mangu

pamusoro pokutadza kweakaipa rinoti:

Hakuna kutya Mwari

pamberi pake.

2Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake,

zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake.

3Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera;

haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka.

4Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa;

anozvifambisa panzira yezvakaipa

uye haarambi chakaipa.

5Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga,

kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.

6Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru,

kururamisira kwenyu sepakadzika dzika.

Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka.

7Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei!

Vose vakuru navaduku pakati pavanhu

vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.

8Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu;

munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza.

9Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu;

muchiedza chenyu tinoona chiedza.

10Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai,

uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama.

11Rutsoka rwounozvikudza ngarurege kusvika kwandiri,

kunyange ruoko rweakaipa ngarurege kundidzingira kure.

12Tarirai vaiti vezvakaipa kuti vawa sei,

vakandwa pasi, havagoni kumuka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help