Mapisarema 12 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 12Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina;

vakatendeka vapera pakati pavanhu.

2Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema;

miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.

3Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso,

norurimi rumwe norumwe runozvikudza

4ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu;

miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”

5“Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba

nokugomera kwavarombo,

ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”

6Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa,

sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu,

yakanatswa kanomwe.

7Imi Jehovha, muchatichengeta murugare

uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.

8Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka

kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help