Jobho 18 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Bhiridhadhi

1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2“Muchapedza kutaura uku riiniko?

Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.

3Tinobatirweiko semombe

uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?

4Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako,

nyika ingasiyiwa nokuda kwako here?

Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?

5“Mwenje weakaipa unodzimwa;

murazvo womoto wake unopera kupisa.

6Chiedza chiri mutende rake chinova rima;

mwenje uri parutivi pake unodzima.

7Simba renhambwe dzake rinorukutika;

mano ake pachake anomuwisira pasi.

8Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure,

uye anodzungaira ari mumaburi awo.

9Musungo unomubata chitsitsinho;

rugombe runomubatisisa.

10Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake;

musungo wakaradzikwa munzira yake.

11Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose,

uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.

12Pfumvu inomudokwairira;

njodzi yakamugaririra paanowa.

13Inodya zvikamu zveganda rake;

dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.

14Anodzurwa kubva patende raanovimba naro

agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.

15Moto unogara mutende rake;

safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.

16Moto unogara mutende rake;

uye matavi ake anosvava kumusoro.

17Kurangarirwa kwake kunopera panyika;

haana zita munyika.

18Anobviswa pachiedza achiendeswa murima,

uye anodzingwa panyika.

19Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake,

hakuna akasara kwaaimbogara.

20Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake;

varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.

21Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa;

iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help