Jobho 13 - Shona Contemporary Bible(SCB)

1“Meso angu akaona izvi zvose,

nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.

2Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva;

handisi muduku kwamuri.

3Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose

uye ndigozvidavirira nyaya yangu kuna Mwari.

4Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema;

muri varapi vasina maturo, imi mose!

5Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu!

Nokuti hungava uchenjeri kwamuri.

6Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu;

teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.

7Ko, mungataura zvakaipa muchimiririra Mwari here?

Ko, mungataura zvinonyengera muchiti matumwa naye here?

8Mungamuitira rusaruro here?

Mungamiririra Mwari here?

9Ko, zvingabuda zvakanaka here kana akakuedzai?

Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?

10Zvirokwazvo iye angakutsiurai

kana mukaratidza rusaruro muchivande.

11Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here?

Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?

12Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota;

nhare dzenyu inhare dzevhu.

13“Nyararai uye regai nditaure;

ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.

14Ko, ndinozviisirei munjodzi

ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?

15Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye;

zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.

16Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu,

nokuti hakuna munhu asina umwari achasvika pamberi pake!

17Teereresai kumashoko angu,

nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.

18Zvino ndagadzirisa nyaya yangu,

ndinoziva kuti ndichashayirwa mhosva.

19Pane angagona kundipa mhaka here?

Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu.

20“Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi.

Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.

21Bvisai ruoko rwenyu rwuve kure neni,

uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.

22Ipapo mukandidana ndichadavira.

Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.

23Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko?

Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.

24Munovanzireiko chiso chenyu

muchindiona somuvengi wenyu?

25Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here?

Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?

26Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu,

uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.

27Munosunga tsoka dzangu nezvisungo;

munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.

28“Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora,

senguo yakadyiwa nezvipfukuto.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help