Jobho 7 - Shona Contemporary Bible(SCB)

1“Ko, munhu haashandi zvakaoma panyika here?

Ko, mazuva ake haana kuita seomushandi here?

2Somuranda anoshuva mimvuri yamadekwana,

kana mushandi akamirira kwazvo mubayiro wake,

3saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo,

uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.

4Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’

Usiku hunononoka, uye ndinoshanduka-shanduka kusvikira mambakwedza.

5Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemaronda,

ganda rangu rakatsemuka uye raora.

6“Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki,

uye anosvika kumagumo asina tariro.

7Rangarirai henyu, imi Mwari, kuti upenyu hwangu hunongova mweya wokufema;

meso angu haachazoonizve mufaro.

8Ziso rinondiona zvino harichazondionizve;

muchanditsvaka, asi handichazovapozve.

9Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda,

saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve.

10Haachazouyi kumba kwakezve;

nzvimbo yake haichazomuzivizve.

11“Naizvozvo handinganyarari;

ndichataura pakurwadza kwomweya wangu,

ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,

12Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika,

zvamunondiisa pasi pomurindi?

13Pandinofunga kuti mubhedha wangu uchandivaraidza,

uye kuti mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,

14ipapo munondityisidzira nezviroto

uye munondivhundutsa nezviratidzo,

15zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu,

pachinzvimbo chomuviri wangu uno.

16Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi.

Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.

17“Munhu chiiko zvamunomukoshesa kudai,

zvamunomurangarira zvakadai,

18zvamunomunzvera mangwanani ose

uye muchimuedza nguva dzose?

19Hamusi kuzombotarirawo kudivi here,

kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?

20Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri,

imi mutariri wavanhu?

Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira?

Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?

21Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu

uye musingandiregereri zvivi zvangu?

Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza.

Muchanditsvaka, asi handichazovapozve.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help