Ekisodho 38 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Aritari yeZvipiriso Zvinopiswa

1Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuunga, yakakwirira makubhiti matatu; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanu pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo.

2Vakagadzira runyanga pamakona mana ose zvokuti nyanga nearitari zvakanga zvava chinhu chimwe chete, uye vakafukidza aritari nendarira.

3Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, midziyo yokusasa zvibayiso zvenyama uye namakango apamoto.

4Vakaitira aritari chiparo, mumbure wendarira, kuti chive pasi pechitsiko chayo, pakati napakati pokukwirira kwearitari.

5Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira.

6Vakaita mapango omuti womuunga vakaafukidza nendarira.

7Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaiita namapuranga, isina chinhu mukati.

Mudziyo woKushambira

8Vakagadzira mudziyo wokushambira wendarira uye nezvigadziko zvawo zvendarira kubva pazvionioni zvamadzimai aishumira pamukova wokupinda muTende Rokusangana.

Ruvazhe

9Pashure vakaita ruvazhe. Rutivi rwezasi rwakanga rwakareba makubhiti zana uye rwaiva nezvidzitiro zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka,

10namatanda makumi maviri uye nezvigadziko zvendarira makumi maviri, nezvikorekedzo zvesirivha uye nezvisungo pamusoro pamatanda.

11Rutivi rwokumusorowo rwakanga runa makubhiti zana pakureba uye rwakanga rune matanda makumi maviri nezvigadziko zvendarira, ine zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.

12Mucheto wokumavirira wakanga una makubhiti makumi mashanu paupamhi, uye kwaiva nezvidzitiro, namatanda gumi uye nezvigadziko gumi, nezvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.

13Kumucheto wokumabvazuva, wakananga kunobuda nezuva, kwaivawo noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu.

14Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kurutivi rumwe chete rwomukova, namatanda matatu ezvigadziko zvitatu,

15uye zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kuno rumwe rutivi rwokupinda muruvazhe, namatanda matatu uye nezvigadziko zvitatu.

16Zvidzitiro zvose zvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.

17Zvigadziko zvamatanda zvakanga zviri zvendarira. Zvikorekedzo nezvisungo zvaiva pamatanda zvaiva zvesirivha, uye misoro yawo yakanga yakafukidzwa nesirivha; saka matanda ose oruvazhe akanga ane zvisungo zvesirivha.

18Chidzitiro chomukova wokupinda muruvazhe chaiva chewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki. Chakanga chakareba makubhiti makumi maviri, chakaita sechidzitiro chaparuvazhe, makubhiti mashanu kukwirira kwacho,

19namatanda mana uye nezvigadziko zvendarira zvina. Zvikorekedzo zvazvo nezvisungo zvazvo zvaiva zvesirivha, uye misoro yacho yakanga yakafukidzwa nesirivha.

20Mbambo dzose dzetende retabhenakeri nezvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvendarira.

Zvinhu zvakashandiswa

21Uku ndiko kuwanda kwezvinhu zvakashandiswa patabhenakeri, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, zvakanyorwa pakurayira kwaMozisi navaRevhi vari pasi paItamari mwanakomana waAroni, muprista.

22Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akagadzira zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha;

23aiva naDhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, mhizha nomusoni, uye musoni wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku nomucheka wakaisvonaka.

24Kuwanda kwegoridhe rose rakabva kuzvipiriso zvokuninira rakashandiswa pabasa rose rapaimba tsvene kwaiva matarenda makumi maviri namapfumbamwe namashekeri mazana manomwe ana makumi matatu, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene.

25Sirivha yakawanikwa yakabva kuna avo veungano vakaverengwa pakunyorwa, yaiva matarenda zana, uye chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu amashekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene,

26bheka rimwe chete pamunhu, ndiyo hafu yeshekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, kubva kumunhu wose akanga ayambukira kuna avo vakanga vatoverengwa, vana makore makumi maviri kana kupfuura, varume vakanga vari zviuru mazana matanhatu navatatu namazana mashanu ana makumi mashanu.

27Matarenda zana esirivha akashandiswa kugadzira zvigadziko zvenzvimbo tsvene pachidzitiro, zvigadziko zana zvaibva pamatarenda zana, tarenda rimwe chete pachigadziko chimwe nechimwe.

28Vakashandisa mashekeri chiuru chimwe chete namazana manomwe namakumi manomwe namashanu uye kuti vagadzire zvikorekedzo zvamatanda, kufukidza misoro yamatanda, uye vagadzire zvisungo zvawo.

29Ndarira yakabva kuzvipiriso zvokuninira yaiva matarenda makumi manomwe namashekeri zviuru zviviri namazana mana.

30Vakaishandisa kugadzira nheyo dzomukova weTende Rokusangana, aritari yendarira, chiparo chayo chendarira nemidziyo yayo yose,

31nheyo dzepakapoteredza ruvazhe nedzomukova warwo nembambo dzose dzetende retabhenakeri uye nezvose zvakapoteredza ruvazhe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help