Ekisodho 27 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Aritari yeZvipiriso Zvinopiswa

1“Uvake aritari yamatanda omuunga, makubhiti matatu pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanu uye upamhi hwayo makubhiti mashanu.

2Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira.

3Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo dzokubvisisa madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama nemakango apamoto.

4Uyiitire chiparo, sefa yendarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yesefa.

5Uchiise pasi pechitsiko chearitari kuitira kuti chive pakati nepakati pearitari.

6Uitire aritari matanda omuunga uye ugoafukidza nendarira.

7Matanda aya anofanira kupinzwa mukati memhete kuti agova kumativi maviri earitari painenge yotakurwa.

8Uite aritari namapuranga, isina chinhu mukati mayo. Inofanira kugadzirwa sokuratidzwa kwawakaitwa pagomo.

Ruvazhe

9“Uitire tabhenakeri ruvazhe. Rutivi rwezasi runofanira kureba makubhiti zana uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka,

10namatanda makumi maviri uye zvigadziko zvendarira makumi maviri uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.

11Rutivi rwokumusoro rucharebawo makubhiti zana uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda makumi maviri, nezvigadziko zvendarira makumi maviri, uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.

12“Kumucheto kworuvazhe, nechokumavirira, kunofanira kuva noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu uye zvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda gumi uye zvigadziko gumi.

13Kumucheto nechokumabvazuva kwakatarisana nokunobuda nezuva, upamhi hworuvazhe hunofanira kuva makubhiti makumi mashanu.

14Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvinofanira kuva kuno rumwe rutivi rwomukova, namatanda matatu nezvigadziko zvitatu,

15uye zvimwe zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu ngazvivewo kuno rumwe rutivi, namatanda matatu nezvigadziko zvitatuwo.

16“Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi maviri, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina.

17Matanda ose akapoteredza ruvazhe anofanira kuva nezvisungiso zvesirivha nezvikorekedzo, uye zvigadziko zvendarira.

18Ruvazhe ruchareba makubhiti zana uye makubhiti makumi mashanu paupamhi, nezvidzitiro zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka yakareba makubhiti mashanu, uye nezvigadziko zvendarira.

19Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira.

Mafuta eChigadziko choMwenje

20“Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta.

21MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokuzvizvarwa zvinotevera.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help