Genesisi 10 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Nhoroondo yeNdudzi

1Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu, Hamu naJafeti, vana vaNoa, avo vakaitawo vanakomana mushure mamafashamu.

VaJafeti

2Vanakomana vaJafeti vanoti:

Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Jubhari, Mesheki naTirasi.

3Vanakomana vaGomeri vanoti:

Ashikenazi, Rifati naTogarima.

4Vanakomana vaJavhani vanoti:

Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi.

5(Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba dzavo pakati pendudzi dzavo, rudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.)

VaHamu

6Vanakomana vaHamu vanoti:

Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.

7Vanakomana vaKushi vanoti:

Sebha, Havhira, Sabhata, Rama naSabhiteka.

Vanakomana vaRaama vanoti:

Shebha naDhedhani.

8Kushi akanga ari baba vaNimurodhi, uyo akanga ari murwi ane simba panyika.

9Akanga ari muvhimi mukuru pamberi paJehovha; ndokusaka zvichinzi, “SaNimirodhi, muvhimi mukuru pamberi paJehovha.”

10Maguta okutanga oumambo hwake akanga ari Bhabhironi, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari.

11Achibva munyika iyoyo akaenda kuAsiria, uko kwaakandovaka Ninevhe, Rehobhoti Iri, neKara

12neReseni, riri pakati peNinevhe neKara; rinova ndiro guta guru.

13Miziraimi akanga ari baba veava:

vaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,

14vaPaturusi, vaKasiruhi (kunova ndiko kwakabva vaFiristia) navaKafitori.

15Kenani akanga ari baba veava:

Sidhoni dangwe rake, navaHiti,

16vaJebhusi, vaAmori, vaGirigashi,

17vaHivhi, vaAriki, vaSini,

18vaAvhadhi, vaZemari navaHamati.

(Shure kwaizvozvo dzimba dzavaKenani dzakapararira,

19uye miganhu yavaKenani yakasvika kuSidhoni yakananga kuGerari kusvikira kuGaza, uyezve yakananga kuSodhomu, Gomora, Adhima neZebhoimi, kusvikira kuRasha.)

20Ava ndivo vanakomana vaHamu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.

VaShemi

21Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri.

22Vanakomana vaShemu vaiti:

Eramu, Ashuri, Afakisadhi, Rudhi naAramu.

23Vanakomana vaAramu vaiti:

Uzi, Huri, Geteri naMesheki.

24Afakisadhi akanga ari baba vaShera,

uye Shera ari baba vaEbheri.

25Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri:

Mumwe ainzi Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romununʼuna wake rainzi Jokitani.

26Jokitani akanga ari baba veava vanoti:

Arimodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera,

27Hadhoramu, Uzari, Dhikira,

28Obhari, Abhimaeri, Shebha,

29Ofiri, Havhira naJobhabhi. Vose ava vakanga vari vanakomana vaJokitani.

30(Dunhu ravaigara raibvira kuMesha rakananga kuSefari, kunyika yezvikomo yokumabvazuva.)

31Ava ndivo vanakomana vaShemu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.

32Idzi ndidzo dzimba dzavanakomana vaNoa maererano nezvizvarwa zvavo, pakati pendudzi dzavo. Kubva kuna ava ndudzi dzakapararira pamusoro penyika shure kwamafashamu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help